Jeremiah 10

Mwari neZvifananidzo

1Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri. 2Zvanzi naJehovha:

“Regai kudzidza tsika dzendudzi
kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga
kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo.
3Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo;
vanotema muti musango,
muvezi ouveza nembezo.
4Vanoushongedza nesirivha negoridhe;
vanourovera nenyundo nezvipikiri
kuti urege kuzungunuka.
5Sedukununu kumucheto womunda wamavise,
zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura;
zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba.
Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai,
uye hazvina nebasa rose.”

6Hakuna akafanana nemi, imi Jehovha;
muri mukuru,
uye zita renyu iguru pasimba.
7Ndianiko angarega kukutyai,
imi Mambo wendudzi?
Izvi ndizvo zvakakufanirai.
Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose,
hakuna akafanana nemi.
8Vose havana njere uye mapenzi;
vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri.
9Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishi
negoridhe richibva kuUfazi.
Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe,
zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru,
zvose zvinoitwa navabati vano umhizha.
10Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; ndiye Mwari mupenyu,
mambo wokusingaperi.
Kana iye atsamwa, nyika inodedera;
ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake.
11“Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’ ”

12Asi Mwari akaita nyika nesimba rake,
akateya nyika nouchenjeri hwake,
uye akatambanudza matenga nokunzwisisa kwake.
13Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo;
anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika.
Anotuma mheni pamwe nemvura,
uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

14Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo;
mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake.
Zvifananidzo zvake ndezvenhema;
hazvina mweya mazviri.
15Hazvina maturo, zvinhu zvokutuka;
kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara.
16Iye anenge ari mugove waJakobho haana kufanana nazvo,
nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose,
kusanganisa naIsraeri, rudzi rwenhaka yake,
Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

Kuparadzwa Kuri Kuuya

17Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika,
imi makakombwa.
18Nokuti zvanzi naJehovha:
“Panguva ino ndichapotsera kure
avo vanogara munyika ino;
Ndichauyisa nhamo
pamusoro pavo kuti vagotapwa.”

19Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu!
Ronda rangu harirapiki! Asi ndakati,
“Uku kurwara ndokwangu,
uye ndinofanira kukutakura.”
20Tende rangu raparadzwa;
mabote aro ose adamburwa.
Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve;
hakuna asara zvino kuti amise tende rangu
kana kumisa dumba rangu.
21Vafudzi havana njere,
uye havabvunzi Jehovha;
saka havabudiriri
uye makwai avo ose apararira.
22Inzwai! Chiziviso chiri kuuya,
bope guru richabva kunyika yokumusoro!
Richaita kuti maguta eJudha aparare,
agarwe namakava.

Munyengetero waJeremia

23Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake;
hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake.
24Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira,
kwete mukutsamwa kwenyu,
kuti murege kundiparadza zvachose.
25Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pendudzi
dzisingakurangarirei,
pamusoro pavanhu vasingadani kuzita renyu.
Nokuti vakadya Jakobho;
vakamudya zvachose,
uye vakaparadza nyika yake.
Copyright information for SnaBDSC